Vakomana vaisanduka kuita shumba
Vakomana vaisanduka kuita shumba

Vakomana vaisanduka kuita shumba

Kwaivepo nevakomana vana vaive nehushamwari hwepedyo. Zvino vakomana ava
vaisanduka vachiita shumba. Rimwe zuva vakaenda kune imwe nzvimbo iri kure
nekunyika yavo vachitsvaga vasikana vekuroora.
Vakasvika pane rimwe tsime ndokuona paine vasikana vana vaive vakanaka zvikuru.

Vakati, “Vasikana tine kumbirawo mvura yekunwa tafa nenyota.” Vasikana vaya
vakavapa mvura, ivo vakomana vaya ndokukonza vasikana vaye ndokudii, ndokudiwa.

Vasikana vaya mushure mekuda vakomana vaya vakavakoka kumusha kwavo asi
nemhaka yekuti vakomana ava vane zvavaimhamyira vakati havaikwanisa kusvika kumba kwevadiwa wavo. Vasikanawo nepamusana pekutya kurasikirwa nevakomana vakanaka seava vakabva vangosarudza kuenda navo. Izvi zvakaitika mushure mekunge vakomana ava vati, “Chero tichidana, tinogona kutizisana nhasi.” Vasikanawo vakati, “Ngatiendekana mune idi rekuti munozotiwana.”

Pakapfimbwa vasikana ava nevakomana vavo vakange vaenda kutsime nekahanzvadzi
kavo. Pavakafunga kutizira vakomana vavo nepamusana pekutya kurasikirwa
nevakomana vakanaka seava vakaudza kahanzvadzi kavo kuti kadzoke kumba asi iko
kakaramba. Vakazama mhindu dzese kusanganisira kukarova asi zvakashaya basa.
Kumagumo vakazowirirana kuti vaende nako.
Vakabva varitanga runo rwendo rurefu. Pakudoka kwezuva vakomana vaya vakati,
“Madzimai, zuva radoka. Ngatitsvage patinorara usiku hwanhasi. Hatingafambi
nehusiku sezvinonzi tiri kutiza mumwe munhu kana kubav kune imwe nzvimbo.”

Vasikana vakabvuma sezvo vavive vanetawo nekuswerofamba. Vakomana vaya vakatsvaga pachuru pane zvimiti pavakabatidza moto. Vakabika sadza sezvo vakomana ava vaive vatakura upfu nechimukuyu. Sadza parakanga raibva vakomana ava vakati kuvasikana vavo, “Mitemo yesango inoti kana madya nyama, musan’un’une mapfupa achisara achena. Munofanira kusiya aine zvinyama kuitira imbwa dzesango dzenzvimbo yamunenge masvika. Rasirai mapfupa kanhambo kubva pamuri kuitira imbwa idzi.” Vakapa rairo iyi nechinangwa chekuti ivo vazomuke vachipwanya mapfupa aya hwave husiku madzimai avo akakotsira.
Mushure mekudya vakaenda kunorara, vakomana vaya ndokusanduka kuita shumba.

Vakatetena mabondo aya. Pavainakirwa kudai, kahanzvadzi kevasikana vaya kaiona
zvese zvaiitika asi hakana kuudza hanzvadzi dzako. Vakuwashashumba ava havanawo
kuziva kuti vaonekwa. Vakapedza kudya ndokurara.


Rechimangwana vakatangana narwo rwendo rwavo. Pazuva iri vakadzokorora zvainge
zvaitika nezuro wacho. Mangwanani ezuva rechitatu vakomana ava vakati vaienda
kurukova rwaive pedyo kundogeza. Pavakasimuka kunda kurwizi, kakomana kaya
kakasara kakaudza hanzvadzi dzako kuti vakomana vavo vaive vakamira sei.

Kakati, “Vakomana venyu vanosanduka kuita shumba.” Vasikana ava havana kugashira
mashoko aya. Vakatotuka kahanzvadzi kavo vachit, “Unonyepa. Ndosaka tanga tisingadi
kuuya newe.” Kakomana kaya kakabva karamba kakanyarara.

Pazuva rechina vakasvika pane rimwe bako, vakomana vaya vakaudza vasikana vavo
kuti vaive vasvika pamba pavo. Vasikana vakaratidzwa kwekuchera mvura. Vasikana
vaya vakanyumwa vakatanga kufunga kuti dzimwe nguva hanzvadzi yavo yaireva idi
nguva dzose. Pazuva reshanu vakomana vaya vakakoka tsano wavo kuti vaende navo
kunovhima. Vasvika kwavaivhimira vakuwasha vaya vakati, “Tsano, musango muno
mune mhuka dzakawanda dzinotyisa. Hatidi kuti muvhunduke, saka tichakusungirai
mumushunje weuswa tokuturikai mumuti. 

Kana tapedza kuvhima tozokuburutsai. Tsano vakabvuma mashoko evakuwasha wavo aya. Vakuwasha vaya vakazovaisa mumwanda weuswa uya ndokuvaturika mumuti mavakavasungirira. Chinangwa chavo chaive chekuti tsano vavo vasavaone vachisanduka kuita shumba. Tsano vaya pavakapeura mwanda uya vakaona vakuwasha vavo vachisandukazve kuita shumba. Mushure mekuvhima vakadzoka kumba. Vaive nenyama yakawanda.

Vakadzokorora nzendo dzavo dzekunovhima idzi kakomana kaya kakayambira hanzvadzi dzako asi havana kumuteerera kunze kwemumwe chete. Rimwe zuva mukomana uyu akatanga kuimba rwiyo rwekuti:

Mushauri: Vana vedu marema
Vadaviri: Kutevera zvine miswe yazvo kutevera
Mushauri: Vana vedu marema
Vadaviri: Kutevera zvine miswe yazvo kutevera

Rwiyo urwu rwakaita kuti vasikana vaye vatambudzike mupfungwa. Musi uyu vakomana vavo vakauya vasina chavabata. Vakasvikodavirira rwiyo rwaiimbwa natsano vavo asi vaiedza kuti tsano wavo vasabudisa chokwadi chekuti ivo vaive majandukwa. Panguva yese yaaiudza hanzvadzi dzake, mukomana uyu airuka chidendere. Pakadzoka vakuwasha vake rimwezve zuva vasina chavakabata vave nenzara varonga kuzodya vakadzi vavo natsano iye akasanovaona vachiri kure. Pavakange vave kusvika pedyo nebako riya iye akakwidza hanzvadzi dzake mudendere muya vachibva vabhururuka vachidzoka kumusha kwavo

Comments

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Review Your Cart
0
Add Coupon Code
Subtotal