Bere naShumba
Bere naShumba

Bere naShumba

Karekare, Bere akapinda mudanga rehwai usiku. Akatora hwayana, akaiuraya. Kuzoti aenda nayo akasangana naShumba panzira.

Zvino Shumba akamubvutira nyama yese. Bere akafa neshungu kwazvo, akatanga kutuka Shumba amire kure achiti, “Zigororo, raba nyama yangu.”

Shumba akapindura achiseka achiti, “Inyama yako here? Waipihwa navaridzi vayo here?” Vese vakanga vakaenzana; hapana akanga akafanira kupa mumwe mhosva.

Comments

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Review Your Cart
0
Add Coupon Code
Subtotal